Skip to content
Lyric
Dive
Public playlists
My playlists
Search
Sign in
Pfuma Yacho
Alick Macheso
Popularity ยท Low
+
๐ฟ๐ผ Shona ยท Original
0
0
YouTube
Searching YouTube...
Lyrics
Original
Translation
Bilingual
Pfuma yacho unoidya naniko?
Wapedza vana unoidya naniko?
Pfuma yacho unoidya naniko?
Wapedza vana unoidya naniko?
ย
Mari yacho unoidya naniko?
Wapedza dzinza rose unoidya naniko?
Mari yacho unoidya naniko?
Wapedza dzinza rose unoidya naniko?
ย
Nyangwe mukufara unofara naniko?
Uri wega unofara naniko?
Nyangwe mukufara uchafara naniko?
Wasara wega uchafara naniko?
ย
Zvimwe zvinoda hama unozviudza aniko?
Uri wega unozviudza aniko?
Zvimwe zvinoda hama uchazviudza aniko?
Wasara wega uchazviudza aniko?
ย
Nyangwe ukarwara unopepwa naniko?
Uri wega unopepwa naniko?
Nyangwe ukarwara uchapepwa naniko?
Wasara wega uchapepwa naniko?
ย
Pfuma yakanaka (ndeyeziya iyoyo, ndeyeziya)
Inofadza kudya (ndeyeziya iyoyo, ndeyeziya)
Mari yekushanda (ndeyeziya iyoyo, ndeyeziya)
Hairwadzi kudyawo (ndeyeziya iyoyo, ndeyeziya)
ย
Mari yekuromba (ndeyerima iyoyo, ndeyerima)
Inorwadza kudyawo (ndeyerima iyoyo, ndeyerima)
Mari yakasviba (ndeyerima iyoyo, ndeyerima)
Imari yeropa (ndeyerima iyoyo, ndeyerima)
ย
Wasara padera mbuya vafa
Wasara padera vana vafa
Wasara pamhene hama dzafa
Uchasara nani? (Wachekeresa mudzimai)
Uchasara nani? (Amaiwe zvese nevana)
Uchasara nani? (Wachekeresa amai)
Uchasara nani? (Zvese nevanun'una)
Uchasara nani? (Uchasara nani iwe?)
Uchasara nani? (Uchiziva wapedza hama ndiwe)
Uchasara nani? (Wachekeresa mudzimai)
Uchasara nani? (Amaiwe zvese nevana)
Uchasara nani? (Wachekeresa amai)
Uchasara nani? (nehanzvadzi sikana)
Uchasara nani? (Uchasara nani iwe?)
Uchasara nani? (Uchiziva wapedza hama ndiwe)
ย