Skip to content

Kukura Kwedu

Leonard Dembo & The Barura Express
Popularity ยท Low

YouTube

Searching YouTube...

Lyrics

Baba namai remekedzanaiwozve Kudzanaiwo vana venyu tigarike Baba namai remekedzanaiwozve Kudzanaiwo vana venyu tigarike Amai kana baba vakanganisa ava Dzorai moyo vana venyu tigarike Amai kana baba vakanganisa ava Dzorai moyo vana venyu tigarike Baba kana amai vakutadziraika Dzorai moyo vana tikure nerugare Baba kana amai vakutadziraika Dzorai moyo vana tikure nerugare Kana mukasiyana imwi baba namai honaika Kana kukura kwedu kunozotinetsa Kana mukasiyana imwi baba namai honaika Kana upenyu hwedu hunozotinetsa Rangarirai nhamo iya babaka munoiziva iyi Kana kupinda chikoro kunozotinetsa Rangarirai nhamo iya babaka munoiziva iyi Kana chekupfeka chinozotinetsa Rangarirai nhamo iya amai munoiziva iyi Kana kukura kwedu kunozotinetsa Rangarirai nhamo iya amaika munoiziva iyi Kana upenyu hwedu hunozotinetsa Rangarirai nhamo iya babaka makarutamba imi Kana kupinda chikoro kunozotinetsa Rangarirai nhamo iya babaka makarutamba imi Kana chekupfeka chinozotinetsa Rangarirai nhamo iya amaika makaiwona imi Kana kukura kwedu kunozotinetsa Rangarirai nhamo iya amaika munoiziva imi Kana upenyu hwedu hunozotinetsa