Skip to content
Lyric
Dive
Public playlists
My playlists
Search
Sign in
Chimwe NeChimwe
Jah Prayzah
Popularity ยท Low
+
๐ฟ๐ผ Shona ยท Original
0
0
YouTube
Searching YouTube...
Lyrics
Original
Translation
Bilingual
Gore riye rakauya nenhamo
Chimwe nechimwe chinenguva yacho
Tichabira rwizi, mai mwana
Chigomera uripo mangwana zvinonaka
Duro riye uchariona razara, tichakanda mhodzi mai mwana
Nzara mumba mangu ndikafunga kachana
Chimwe nechimwe chinenguva yacho
Tichabira rwizi, mai mwana
Chigomera uripo mangwana zvinonaka
Duro riye uchariona razara, tichakanda mhodzi mai mwana
Tseketsa yakasara, takaikangira mudhumeni
Chikwere chikasara nhoko
Kana pfuma yenhaka, yakaperera mukuripa
Ngozi yakasiwa nababa
Ndaiti tichabereka mwana
Anosara achitevera gwara
Mimba ikaramba kubata
Ndaiti tichabereka mwana
Anosara achitevera gwara
Mimba ikaramba kubata
Gore rakauya nenhamo
Chimwe nechimwe chinenguva yacho
Tichabira rwizi, mai mwana
Chigomera uripo mangwana zvinonaka
Duro riye uchariona razara, tichakanda mhodzi mai mwana
Nzara mumba mangu ndikafunga kachana
Chimwe nechimwe chinenguva yacho
Tichabira rwizi, mai mwana
Chigomera uripo mangwana zvinonaka
Duro riye uchariona razara, tichakanda mhodzi mai mwana
Hama dzikauraya mombe
Kutomhanya nebakatwa
Kundoita muchekadzafa
Hama dzikauraya mombe
Kutomhanya nebakatwa
Kundoita muchekadzafa
Shunga dzirege dziputike
Buritsa misodzi zvireruke
Kawira pasi usimuke
Shunga dzirege dzigutike
Buritsa misodzi zvireruke
Kawira pasi usimuke
Gore rakauya nenhamo
Chimwe nechimwe chinenguva yacho
Tichabira rwizi, mai mwana
Chigomera uripo mangwana zvinonaka
Duro riye uchariona razara, tichakanda mhodzi mai mwana
Nzara mumba mangu ndikafunga kachana
Chimwe nechimwe chinenguva yacho
Tichabira rwizi, mai mwana
Chigomera uripo mangwana zvinonaka
Duro riye uchariona razara, tichakanda mhodzi mai mwana
ย
Ndaiti tichabereka mwana
Anosara achitevera gwara
Mimba ikaramba kubata
Ndaiti tichabereka mwana
Anosara achitevera gwara
Mimba ikaramba kubata
ย