Skip to content

Vasiye (Lullaby)

Simon Chimbetu, The Orchestra Dendera Kings
Popularity ยท Low

YouTube

Searching YouTube...

Lyrics

Nyarara kacheche Usacheme yawarota iri hondo Nokuti uchakura Apo uchasanganiswa navo Ivo vane hutsinye Vanoponda chero nherera Usacheme yawarota iri hondo Nguva yekufara Ichauya Nguva yekuchema Ichauya Nguya yekuseka Ichauya Nguya yekusuwa Ichauya Usacheme yawarota iri hondo Nyarara kacheche Usacheme yawarota iri hondo Nokuti uchakura Apo uchasanganiswa navo Ivo vane hutsinye Vanoponda chero nherera Nherera ichichema Ivo naivo nayo nherera Ichiti mundisiye Ivo naivo nayo nherera Nherera ichichema Ivo naivo nayo nherera Ichiti ndatadzeiko Ivo naivo nayo nherera Vane hutsinye Vanoponda chero mwana waMwari Vane hutsinye Vanoponda chero mwana waMwari ...# Kana wavaona Uvasiye Kana vakutuke Uvasiye Kana vakurambe Uvasiye Vakakutonga zvisina mwero Uvasiye Kana vakushainire Uvasiye ...# Vane hutsinye Vanoponda chero mwana waMwari Vane hutsinye Vanoponda chero mwana waMwari Riririiiii Nyamasimba vachamuona vachinge vakokiwa Riririiiii Vachatarisana naye pakuguma kwendima Nyamasimba vachamuona vachinge vadaniwa Riririiiii Vachatarisana naye pakupera kwemazuva Riririiiii Nyamasimba vachamuona vachinge vakokiwa Riririiiii Vachatarisana naye pakuguma kwendima Nyarara kacheche Usacheme yawarota iri hondo Nokuti uchakura Apo uchasanganiswa navo Ivo vane hutsinye Vanoponda chero nherera Nherera ichichema Ivo naivo nayo nherera Ichiti mundisiye Ivo naivo nayo nherera Nherera ichichema Ivo naivo nayo nherera Ichiti ndatadzeiko Ivo naivo nayo nherera Vane hutsinye Vanoponda chero mwana waMwari Vane hutsinye Vanoponda chero mwana waMwari Kana wavaona Uvasiye Kana vakurambe Uvasiye Kana vakutuke Uvasiye Kana vakushainire Uvasiye Kana vakutuke Uvasiye (Instrumental) Yes Ah ah, Ah ah (Instrumental) Ah ah, ah ah Hii hii hii hii hii hiii Soooo Brrrr Hee heee hee Dendera Kings Yes Ah ah Hoka hoka (Instrumental) Hiiii Ah ah, ah ah, ah ah Heheee