Skip to content
Lyric
Dive
Public playlists
My playlists
Search
Sign in
Gumi remitemo
Hosiah Chipanga
Popularity ยท Low
+
๐ฟ๐ผ Shona ยท Original
0
0
Listen
YouTube
1
2
3
0:00 / 0:00
Loading YouTube player...
Lyrics offset
Synced
Lyrics
Original
Translation
Bilingual
Ndakambodai ndashanyira shamwari yangu, takagara mumba tichifara
Ndokubva mweya mutvene wandizadza, ndakanzwa inzwi raivo vematenga
Richiti, "Taurira wanhu wose waripasi, zvitema zvavo kwandiri zvawanda
Wakangamwa gumi remitemo, ini nyika ndava kuiparadza"
Ndakabvunza, "Baba, chatinotadza chii? Gumi remitemo, inga tinoiziva"
Vakati, "Mwana, ndini ndinosika wanhu, zvokufa kwavo ndini ndinozviziva
Hapana mumwe munhu, kunyangwe mambo pasipano
Ane mvumo yekuuraya mumwe munhu kunze kwangu"
Ndakachema, Baba, "Kudai matiregerera, pane chimwe here chatinokanganisa?
Wakati, "Mwana, zvekuti wanhu waroorane, kana kuiita vana, ndini ndinovapa
Hapana mumwe munhu, kunyangwe mambo pasipano
Ane mvumo yekutengesa mumwe munhu kunze kwangu"
Ndakachema, "Baba, zvamandiudza ndazvinzwa, pachine chimwe here chatinokanganisa?
Wakati, "Mwana, mvura ndinokupai pachena, ivhu rokugara, ndinokupai mahara
Hapana mumwe munhu, kunyangwe mambo pasipano
Ane mvumo yekutengesa zvinhu izvi kunemumwe"
Ndakachema, "Baba, zvamandiudza ndazvinzwa
Ndichawaudza kuda wangarega
Wakati, "Mwana, wanhu pasi wanenharo
Nguva ichakwana, ndichavaparadza"
ย
Pasi rino richaguma wana baba
Pasi rino richaguma wakomana
Wematenga waneshungu wana mai
Wematenga waneshungu wana baba
Wematenga waneshungu wasikana
Wematenga waneshungu wakomana
Pasi rino richaguma wana mai
ย
Pasi rino richaguma wakomana
Pasi rino richaguma wasikana
Wematenga waneshungu wana baba
Wematenga waneshungu wakomana
Wematenga waneshungu wana mai
Wematenga waneshungu wasikana
Pasi rino richaguma wana baba
Pasi rino richaguma wakomana
ย