Skip to content

Sarudzai

Popularity · Low

Listen

YouTube

0:00 / 0:00
Loading YouTube player...
Lyrics offset
Synced

Lyrics

Sarudzai imi, sarudzai Nguva yatiri ino yawoma Ndati sarudza Mwari wamunoda Sarudzai imi, sarudzai Gore ratiri ino raipa Baba sarudzai Mwari wamavakuda Hupenyu hwangu kubva ndiri mudiki Ndaigobatiswa zvandasaiziva Ndawana nyasha, handichada Hupenyu hwangu, pakarekare Ndainamata vamwari vakafa Ndawana nyasha, handichabvuma Kana ndirini nemhuri yangu Tichanamata Mwari mupenyu Ndorumbidza Jehovah (Hallelujah) Kubva zvino, nemhuri yangu Tavekunamata Mwari mupenyu Ndomuwonga Jehovah O ngarumbidzwe Mwari we (Pasi naye Satani) Ngarumbidzwe Hallelujah (Pasi naye Satani) Ngarumbidzwe Mwari we (Pasi naye Satani) Ngarumbidzwe Hallelujah (Pasi naye Satani) Ngavavongwe Baba vedu (Pasi naye Satani) Ngavavongwe Hallelujah (Pasi naye Satani) Ngarumbidzwe ishe Jesu (Pasi naye Satani) Ndati pasi naye Satani (Pasi naye Satani) Pasi naye Satani (Pasi naye Satani) Ndati pasi naye Satani (Pasi naye Satani) Sarudzai imi, sarudzai Mhaka watavauono wawoma Hama sarudzai mwari wamavekuda Tarira uwone, o tarira mukoma Patasvika pamharadzano Iwe sarudza mwari wawavekuda Tarira uwone, o tarira mukoma Patasvika pamharadzano Sarudza mwari waunoda Chisumudza musoro, tarira uwone Gehena zvinho rotungidzwa Sarudza mwari waunoda Chisumudza musoro, tarira uwone Jesu owuya nemakore Sarudza mwari wawavakuda Hupenyu hwangu kubva ndiri mudiki Ndaigobatiswa zvandasaiziva Ndawana nyasha, hazvichagona O ndaifunga ini nguva yangu Yakaparadzwa naSatani Kuparara Babaa Kondavafunga ini vana vangu Vandakaripisa ndisingazivi Kuenda vese Yakaenda imi nguva yangu Yakatorwa naSatani Kuparara Baba Ini ndaifunga ini pfuma yangu Yakaparadzwa naSatani Kuenda Baba Zvamunondiona mavanga andinawo Ndakapiwa naSatani Sarudzai mwari wamunoda Zvamunondiona mavanga andinawo Ndakapiwa naSatani Imi sarudzai mwari wamunoda O ndaive mupfumi hurombe wandinawo Ndakapiwa naSatani Ndakaberekwa ndirimupfumi Zvamunondiona mavanga andinawo Ndakapiwa naSatani Imi sarudzai mwari wamavakuda Hazvina mhosva ndazomuwana Ndamuwana Muchinda werugare Ndamuwana Jesu ndoenda naye Hazvineyi ndazomuwana Ndamuwana Jesu ndoenda naye Iye ngarumbidzwe Mwari we (Pasi naye Satani) Ngarumbidzwe Hallelujah (Pasi naye Satani) Ngavavongwe Baba vedu (Pasi naye Satani) Ngavavongwe Hallelujah (Pasi naye Satani) Ngarumbidzwe Hallelujah (Pasi naye Satani) Pasi naye Satani (Pasi naye Satani) Ndati pasi naye Satani (Pasi naye Satani) Ndati pasi naye Satani (Pasi naye Satani) Pasi naye Satani (Pasi naye Satani) Ngarumbidzwe ishe Jesu (Pasi naye Satani) Ndati pasi naye Satani (Pasi naye Satani) Ngavavongwe Baba vedu (Pasi naye Satani) Ini ndati pasi naye Satani (Pasi naye Satani) Ngavongwe Jesu (Pasi naye Satani)